Kuno
Jah Prayzah
Ndini ndokupinza muforo
Ndini ndinoita madiro
Ndini ndinovhika museve
Ndini ndinobvisa musungo
Ndini ndinozarura masuwo
Ndini ndinokupa muono
Ndini ndinotumira ruzivo
Ndini ndinotura mutoro
Asi ndakafamba zvakanaka
Ndakasviko tambira menduru
Zvikanzi ichocho chigaro
Ndicho chemajita
Kuno kune ndarama
Masango nemaguta
Mambo varikuno vanokuziva nezita
Vanombonditenderawo kuti ndimbodzika
Hondo dzinokuvinga ndimhanye kunovhika
Pamwe ungabatawo mupendero wejira
Unozongosara wofamba
Munzira yandenge ndavhura
Ndinenge ndasakura minzwa
Ndinenge ndavhara makomba
Hoko dzavanenge vakarovera
Unosvika pamusha ndakadzura
Usazongoramba wozvidya moyo
Kuchema kwako kwese ndinokunzwa
Chamakaisa muvhu inyama yangu
Hamuchina mweya wangu muguva
Kuno tinopembera nerugare
Hakuna chikonzero chekusuwa
Hakuna mariro kuno kwandigere
Mafuro manyoro akanyorovera
Anoreva nhema
Anobhinya pwere
Anokanda pfumo
Hakuna ba
Asi handizive
Anoziva ndishe
Wotumira nhumhe
Zuva rinouya mumwe
Timuzarurire
Timugamuchire
Timumbundikire
Toti ndimi mabva kure



Comentarios
Envía preguntas, explicaciones y curiosidades sobre la letra
Forma parte de esta comunidad
Haz preguntas sobre idiomas, interactúa con más fans de Jah Prayzah y explora más allá de las letras.
Conoce a Letras AcademyRevisa nuestra guía de uso para hacer comentarios.
¿Enviar a la central de preguntas?
Tus preguntas podrán ser contestadas por profesores y alumnos de la plataforma.
Comprende mejor con esta clase: