Inicia sesión para activar tu suscripción y eliminar los anuncios

Iniciar sesión
visualizaciones de letras 1

Ndinomboringa kumabvazuva, zuva parinobuda
Ndinokaruka rava rimwe zuva pasina andipindura
Dzakaenda dzakarova hama, hakuna akadzoka
Takangodyara hama kunge mbeu dzisingazombobuda

Makatativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama
Nyama ichaorera muguva mweya uchasimudzira nguva (makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama, así tichaenda tisina kuonekana)

Famba zvakanaka mweya wakachena
Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga

Famba zvakanaka, mweya wakachena
Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga

Inzwai waro, inzwai mhere kurira, inzwai waro
Inzwai waro, inzwai mhere kurira, inzwai waro
Musiyano uri pazuva rekufa, musiyano
Musiyano uri pazuva rekufa, musiyano (takangomirira nguva)
Tinamatire (takamirira nguva) nguva handizive (takangomirira nguva)
Samatemga kana mauya (takamirira nguva)
Monditora ndirere (takangomirira nguva)
Muripo pachigaro cheushe (takamirira nguva)
Ndokuonai mugere (takangomirira nguva)
Ahh ishe (takamirira nguva) nguva handizive
Dzingori ngoni dzinoburuka kudai, nguva handizive
Dzingori ngoni dziniburuka kudai así nguva handizive

Famba zvakanaka mweya wakachena
Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga

Famba zvakanaka mweya wakachena
Sarai zvakanaka tosangana, pakudenga

Ishe mukatora vana vangu dzichingori pwere mandiramba
Shamhu yamunenge mandirova nayo ine minzwa inobaya
Zvamunenge mandipinza mudziva remisodzi humwaya mwaya
Zvamunenge mandinyudza pfumo muhana hubaya-baya

Handeha ndeya ndeya (kumbira)
Ndipei makore changamire (kumbira)
Handeha ndeya ndeya (kumbira)
Zuva rekuenda richauya (kumbira)
Ndachangokusiyawo uchindida (kumbira)
Vachanongedzerana vakauraya (kumbira)
Kana wandisiya ndichikuda (kumbira)

Uvataurire vachandiroya kuti kuchauya vachavaroya
así uvaudze vachandibaya kuti kune pfumo richavabaya

Famba zvakanaka mweya (mweya-a) wakachena
Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga

Famba zvakanaka
Mweya (mweya) wakachena
Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga

Makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama
así tichaenda tisina kuonekana
Makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama así tichaenda tisina kuonekana

Agregar a la playlist Tamaño Cifrado Imprimir Corregir Enviar la traducción

Comentários

Envie dúvidas, explicações e curiosidades sobre a letra

0 / 500

Faça parte  dessa comunidade 

Tire dúvidas sobre idiomas, interaja com outros fãs de Jah Prayzah e vá além da letra da música.

Conheça o Letras Academy

Enviar para a central de dúvidas?

Dúvidas enviadas podem receber respostas de professores e alunos da plataforma.

Fixe este conteúdo com a aula:

0 / 500


Opções de seleção